Ndinovimbisa kuva inzwi renyu

Ndinovimbisa kuva inzwi renyu

Ndinovimbisa kuva inzwi renyu

Shivol Shoko

Vaka Cheka nhengo yako uye uka Buda ropa
Mhuri yako yakapomerwa zvakaipa zvese zvepanyika pakuzvara kwako
Kuti wainzi chituko chenyika ino
Nokungoti wakazvarwa Uri Intersex

Ndinovimbisa kuva inzwi renyu
Vaberiki Vako vaikuda asi pakanga
Pasina mitemo yaikudzivirira kune
Vose avo vakatyora kodzero dzako nokudaro wakafa Uri mudiki
Handina kumbo sangana newe

Ndinovimbisa kuva inzwi renyu
Kune vese avo ma intersex vakagumisa hupenyu hwavo nemhaka yokuti muviri
Yavo yaifungidzirwa yakashata, kusuwa nokurwadziswa , kudzinga uye kuraswa Kure nemhuri yako
Kuvengwa ne vaifanira kukuda, kurohwa, kushungurudzwa uye kupondwa
Ndinovimbisa kuva inzwi renyu

Kune avo vese vakachekwa vakasiwa vane mavanga asinga vharike, vaka tyorerwa kodzero dzavo


This piece has been translated into English – I promise to be your voice.

Back to top